Misoro Yenhau Dzedu Dzanhasi, Muvhuro, Gumiguru 10, 2016.

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Nhau DzeShona Studio7

Nyaya yehuori iri kupomerwa mamwe makurukota ehurumende yokonzera mutauro munyika.

VeTajamuka voratidzira vachikurudzira ZEC kuti inyorese vanhu kuti vakwanise kuvhota mumatunhu avagere.

Vanhu vakawanda munyika vocherechedza mwedzi waGumiguru semwedzi wekudzidzisa vanhu nezvechirwere chegomarara repazamu.

Zvizvarwa zveZimbabwe zvotaura nezvegakava kana kuti debate rakaitwa pakati paVaDonald Trump vemaRepublicans uye Amai Hillary Clinton vemaDemocrats.

Muchirongwa chedu cheLivetalk-na8; 00 pm tiri kutarisa nyaya yehuori huri kupomerwa mamwe makurukota ehurumende.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio 7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti + 1 202 465 0318.

Munotibata pa 909 am, 4930, kana pa 6065, ne 15460 kilohertzs.

Musakanganwe kutifarira paFacebook nekudzvinya pakanzi Like paVOA Shona.

Your browser doesn’t support HTML5

Misoro yeNhau Dzanhasi Muvhuro Gumiguru 10, 2016