Mutungamiri weMDC-T VaMorgan Tsvangirai votungamira kuratidzira kwebato ravoo kuMasvingo mangwana vachiti havasi kufara nemamiriro akaita zvinhu munyika.
Pastor Evan Mawarire votarisirwa kuuya kuAmerica, ukuo vemachechi vachiti hurumende inofanira kuvarega vachidzoka kumusha pasina kushungurudzwa.
ZINARA yofamba mudzimba ichitsvaga vanhu vasina kubhadhara mitero yemotokari.
Tichakupai zviri kubva kumaOlympics kuBrazil ayo ari kuparurwa zviri pamutemo nhasi.
Dare royambira Amai mandi Chimene kuti vasaite dzimwe sarudzo dzesangano reZimbabwe National Liberation War Veterans Association.
Muchirongwa cheLiveTalk na8.30 pm tiri kukupai nyaya dzezviri kubva kumaOlympics kuBrazil.
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio 7, shandisai whatsapp panhamba dzinoti + 1 202 465 0318.
Your browser doesn’t support HTML5
Misoro yeNhau Dzanhasi Chishanu Nyamavhuvhu 05, 2016