Misoro Yenhau Dzanhasi Chishanu, Chikunguru 14, 2017

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Nhau DzeShona Studio7

Your browser doesn’t support HTML5

Misoro Yenhau Dzanhasi Chishanu, Chikunguru 14, 2017

Kunetsana muZanu-PF kuri kuenderera mberi zvakasimba apo mutungamiri wenyika nebato iri VaRobert Mugabe vari kuSingapore uko vari kurapwa pasina kuziviswa kuti vanodzoka riini.

Hurumende inoti iri kutarisira kudzoka munyika kwemamwe madzimai ange ari muhunhapwa kuKuwait.

MDC-T yoshora gurukota rinoona nezvemukati menyika Dr Ignatious Chombo avo vari kuti bato iri ndiro rakapisa motokari yaro kuKuwadzana.

Meya weMasvingo okukurudzira vagari vane zvichemo nemashandiro emapurisa ekanzuru kuti vanomhan’ara nyaya. Izvi zvinotevera kuchema chema kwevamwe vagari vanorarama nekutengesa mumigwagwa vari kuti mapurisa eZRP pamwe neekanzuru ari kutora zvinhu zvavo oshandisa.

Chikwata chemaWarriors chiri kupinda mumakundano matsva e African Nations Championship nechinangwa chitsva mushure mekufadza veruzhinji nekutora mukombe weCosafa Castle Cup.

Muchirongwa che LiveTalk- na8pm tiri kutarisa kunetsana kunotyisa kuri kuitika muZanu-PF apo mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vari kurapwa kuSingapore.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu.