Misoro yeNhau Dzanhasi China, Chikunguru 13, 2017

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Nhau DzeShona Studio7

Your browser doesn’t support HTML5

Misoro yeNhau Dzanhasi China, Chikunguru 13, 2017

Motokari yebato rinopikisa reMDC-T inopiswa kuKuwadzana zvinofungidzirwa kuti zvine chekuita nenyaya dzezvematongerwo enyika.

Mutugamiri wenyika VaRobert Mugabe avo vakaenda kuSingapore kunorapwa havana kudzoka nezuro sezvange zvataurwa nehurumende asi pane mashoko ekuti vanogona kudzoka mangwana.

Sangano reZEC rinoti harisi kuzovandudza miganhu yesarudzo gore rinouya asi kuti iri kushandisa yakashandiswa muna 2008 sezvo pasisina nguva.

Vanachiremba veNSSA vobatsira vanhu pachena kuChegutu mudunhu reMashonaland West.

Makundano eCastle Lager Premier Soccer League ave kuenda kuzororo yepakati pegore panguva iyo Black Rhinos yakatungamira.

Muchirongwa che LiveTalk-Womens Round Table na8pm tiri kutarisa mabasa ari kuitwa nemadzimai munyika nekunze.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave mazuva ose…

Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu.