Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Chikumi 21, 2017

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Nhau DzeShona Studio7

Your browser doesn’t support HTML5

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Chikumi 21, 2017

Sangano reZimbabwe National Liberation War Veterans Association rinoti harisi kufara nemasarudzirwo emagamba mushure mekunge Cde Chinx anyima ruremekedzo rwegamba renyika.

World Bank inoti nekuda kwegoho rakati nakei hupfumi hwenyika huchati wedzerei gore rino asi hurumende ikasagadzirisa nyaya dzezvehupfumi, huchaderera zvakare kwemakore maviri anotevera.

Politburo yeZanu-PF yozeya nyaya yekuti murongi wemabasa mubato VaSaviour Kasukuwere vodzingwa mubato here kana kuti kwete.

Vamwe vagari vari mudunhu rinotongwa naMambo Tandi kwaRusape kuManicaland voronga kutora purazi remukuru weYouth League VaKudzai Chipanga sekuratidza kusafara nekushaiswa minda yakatorerwa vachena.

Hurumende nhasi yaparura chirongwa chekutsvaka mari yekuti nyika ikwanise kubatsira vapoteri munyika chinonzi, “Zimbabwe Inter Agency Refugee Appeal.”

Muchirongwa cheLivetalk Diaspora Forum na8.00pm nhasi, tiri kutarisa mabasa ebudiriro ari kuitwa munyika nevana veZimbabwe vari kunze kwenyika.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu.