Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Chivabvu 18, 2017

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Nhau DzeShona Studio7

Your browser doesn’t support HTML5

Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Chivabvu 18, 2017

Vezvematongerwo enyika votatsurana zvichitevera kusawirirana muparamende pabhiri rekomisheni yerunyararo nekugarisana zvakanaka.

Vechidiki voratidza mabasa avo emaoko pasi pechirongwa cheManicaland Youth Expo.

Amai Joice Mujuru vodaidzwa kuChitungwiza neMugovera nevechidiki mubato ravo kuti vatsanangure chibvumirano chavakaita nemutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai.

Muchirongwa cheWomen’s RoundTable na8pm tiri kuenderera mberi nekutarisa hurongwa hwevanhukadzi hwekukurudzirana kunyoresa kuvhota.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave mazuva ose…

Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu.