Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Chivabvu 16, 2017

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Nhau DzeShona Studio7

Your browser doesn’t support HTML5

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Chivabvu 16, 2017

Sangano rinokweretesa mari pasi rose, reInternational Monetary Fund, rinoti Zimbabwe inofanirwa kusunga dzisimbe kuitira kuti igadzirise dambudziko remari pamwe nekudzikisa mari inoshandiswa nehurumendekuitira kuti zvinhu zvipinde mugwara munyika.

Nyanzvi munyaya dzehupfumi dzozeya hurongwa hwehurumende panyaya dzemari inoshandiswa munyika.

Varimi vekuNyanyadzi kuManicaland voita cheuviri nezvirimwa zvavanorima gore rose kuburikidza nemvura yekudiridzira yavava kuwana zvichitevera kugadziridzwa kwakaitwa canal yavo.

Muchirongwa cheThe Connection na8pm tiri kutarisa zviri kuitwa nevechidiki munyaya dzekukurudzirana kunyoresa kuitira kuti vagovhota musarudzo dzegore rinouya.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu.