Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Chivabvu 09, 2017

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Nhau DzeShona Studio7

Your browser doesn’t support HTML5

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Chivabvu 09, 2017


Zvikoro zvinovhurwa nhasi vabereki vakawanda vachiti vari kutadza kutora mari dzavo mumabhanga.

Kambani inogadzira moto wemagetsi unobva kuzuva inoparurwa muBulawayo hurumende ichiti izvi zvichabatsira kuchengetedza magetsi.

Imwe ongororo yakaitwa nerimwe sangano inoti zvikamu makumi masere kubva muzana zvevanhukadzi vanombunyikidzwa nevanhu vavanoziva

Vagari vekumaruwa vochema chema nemari shoma yavari kupihwa nevanhuwo zvavo vari kutenga chibage chavo, icho vanhu ava vanozochitengesa kuGrain Marketing Board.

Nyanzvi dzinoti hazvisati zvajeka kuti mari inonzi nehurumende yakabhadhara kuWorld Bank sechikwereti, yakabva kupi sezvo World Bank pachayo isiri kutambira kuti yakabhadharwa neZimbabwe.

Muchirongwa cheThe Connection na8pm tiri kutarisa kuvhurwa kwezvikoro nhasi.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu.