Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Kubvumbi 21, 2017

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Nhau DzeShona Studio7

Your browser doesn’t support HTML5

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Kubvumbi 21, 2017

Hurumende yotanga kupa vashandi vayo mabhonasi egore rapera ichitanga nemasoja nevashandi mubazi rezvehutano svondo rino.

Nyanzvi munyaya dzematongerwo enyika dzotaura pamusoro pechibvumirano chaVaMorgan Tsvangirai chekushanda pamwe chete naAmai Joice Mujuru naVaWelshman Ncube.

Asi bato reRenewal Democrats of Zimbabwe rinoti harifi rakapinda mumubatanidzwa una Amai Mujuru nekuti maoko avo ane ropa ravakadeura vari kuZanu PF.

Chikwata cheDynamos chonanga kuHwange uko chiri kunotamba nechikwata cheHwange chiri pamba pacho.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa zvinoreva kubatana kwakaita VaTsvangirai, Amai Mujuru naVaNcube svondo rino.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu.