Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Kubvumbi 18, 2017

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Nhau DzeShona Studio7

Your browser doesn’t support HTML5

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Kubvumbi 18, 2017

Zimbabwe inocherechedza kusvika makore makumi matatu nemanomwe yawana kuzvitonga, mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vachitungamira hurongwa hwaitirwa mu National Sports Stadium muHarare.

Nyanzvi munyaya dzehupfumi dzinoti hurumende yeZanu PF yauraya hupfumi hwenyika hwayakawana huripo muna 1980.

Mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, vanoti vanhu ngavatore mukana uripo kuitira kuti vavhotere munhu anokwanisa kudzosera nyika kumakare apo yaive izere huchi nemukaka.

Highlanders yotatsurana neDynamos mumakwikwi e Independence Trophy.

Muchirongwa cheThe Connection na8pm tiri kutarisa zvinoreva kuzvitonga kune vechidiki vakaberekwa nyika yawana kuzvitonga.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu.