Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Kubvumbi 04, 2017

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Nhau DzeShona Studio7

Your browser doesn’t support HTML5

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Kubvumbi 04, 2017

Zvimwe zvikoro zvotara mangwana sezuva rekupedzisira kubhadhara mari dzebvunzo yeOrdinary Level.

Musangano we Nera woitwa mangwana mapurisa achiti vanhu vaungane muFreedom Square kwete muAfrica Unity Square izvo zvichiri kupikiswa neNera.

Kambani yeCold Storage yoitirwa hurongwa hwekumutsiridzwa neNational Sociala Security Authority.

Muchirongwa chevechidiki cheThe Connection na 8pm tiri kutarisa kurudziro yekuti vechidiki vanyorese kuitira kuti vagovhota.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na 7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu.