Misoro Yenhau Dzanhasi, Chitatu, Kurume 29, 2017

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Nhau DzeShona Studio7

Your browser doesn’t support HTML5

Misoro Yenhau Dzanhasi, Chitatu, Kurume 29, 2017

Mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vanodoma VaLuke Malaba semutongi mukuru wematare kutsiva VaGodfrey Chidyausiku.

VaDidymus Mutasa vonakurira VaHappyton Bonyongwe mhosva yekutyora kodzero dzevanhu apo vainge vari gurukota.

Kunyange hazvo Zimbabwe yakaparura chirongwa che Zimbabwe Agenda for Sustainable Socio-Economic Transformation kana kuti Zim Asset, icho chaive chakatarisirwa kuvandudza hupfumi hwenyika, Zimbabwe ichiri kubatsirwa nemari inobva kunze kwenyika.

Sangano reZimbabwe Lawyers for Human Rights rinoti mapurisa muHarare nhasi asunga nekushungurudza vanhu vatanhatu pedyo nemuzinda weMDC weHarvest House vachivapomera mhosva yekurova mumwe munhu asiri kuzivikanwa.

Muchirongwa chedu cheLiveTalk- Diaspora Forum tiri kutarisa nezvekutumira mari kwevana veZimbabwe vari kunze kumba kana kuti Diaspora Remittances.

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na 7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave.

Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona nekudzvinya pakanzi LIKE.