Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Kurume 14, 2017

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Nhau DzeShona Studio7

Your browser doesn’t support HTML5

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Kurume 14, 2017

Nyaya yeGukurahundi inotsviriridza pamusangano waitwa nhasi muBulawayo wekunzwa pfungwa dzevanhu pamusoro pebhiri rine chekuita nekupodzwa kwemaronda nerunyararo munyika.

Kanzuru yetatarika kuwana mari yemitero kubva kuvagari nekuhurumende.

Rimwe sangano ravana chipangamazano rinoti mhirizhonga yezvematongerwo enyika, kushaya mari nezvikwanisiro pamwe nekusaremekedzwa kwemadzimai nevanhurume, ndezvimwe zvezvikonzero zviri kutadzisa madzimai akawanda kupinda musarudzo.

Hurukuro na Pastor Phillip Mugadza avo vakaburitswa mujeri nezuro mushure mekubvisa mari yechibatiso.

Muchirongwa chevechidiki che The Connection na 8pm tiri kutarisa zviri kuitwa nevechidiki mugadziriro yekunyoresa kuvhota.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na 7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu.