Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Kukadzi 23, 2017

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Nhau DzeShona Studio7

Your browser doesn’t support HTML5

Misoro Yenhau Dzanhasi China, Kukadzi 23, 2017

Vechidiki veZanu PF vanofora muBulawayo vachitsigira mutungamiri wavo, VaRobert Mugabe, avo vari kuitirwa mabiko kuMatopo neMugovera

Vechidiki veZanu PF vanofora muBulawayo vachitsigira mutungamiri wavo, VaRobert Mugabe, avo vari kuitirwa mabiko kuMatopo neMugovera.

Vanhu vopesana maonero avo pachirongwa chekuvandudzaa bumbiro remitemo yenyika kuitira kuti VaMugabe vadome mukuru wevatongi vematare.

Kusada kusiya basa kwaVaMugabe kunonzi kunogona kukonzera kusagadzikana munyika.

Sangano revashandi pasi rose re ILO ropinda munyika kuzoona kana mitemo yevashandi ichiremekedzwa.

Muchirongwa cheWomen’s Roundtable na 8pm tiri kutarisa matambudziko akatarisana nevanhukadzi vanotengesa mumigwagwa.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai Whatsapp panhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na 7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu.