Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Kukadzi 10, 2017

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Misoro yeNhau

Dare ra Magistrate rinoti richanzwa nyaya yaPastor Phillip Mugadza musi 20 Kukadzi, izvo zvichaita kuti varambe vari mujeri….

Mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, vanoti hurongwa hwavo hwekunzwa zvido zvevanhu huru kufamba zvakanaka chose…

Dare redzimhosva muAmerica rinormba kutambira chikumbiro chaVaDonald Trump chekurambidza zvizvarwa zvedzimwe nyika kupinda munyika iyi…

Studio7 inopenengura zvinoreva kuvandudzwa kwebumbiro remitemo yenyika kuri kuda kuitwa nehurumende…

Muchirongwa cheLiveTalk na 8:00pm tiri kutarisa zvinofanirwa kuitwa nezvizvarwa zveZimbabwe zviri muSouth Africa...

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai Whatsapp panhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na 7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave mazuva ose…

Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu.

Your browser doesn’t support HTML5

Misoro Yenhau Dzanhasi Chishanu, Kukadzi 10, 2017