Misoro yeNhau dzaNhasi, Muvhuro, Kukadzi 6, 2017

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Nhau DzeShona Studio7

Chikumbiro chaPastor Evan Mawarire ve This Flag chekuti vapihwe mukana wekubvisa mari yechibatiso chonzwikwa muHigh Court mangwana.

Zanu PF yomanikidza vanhu vakawanda kumaruva kuti vabvise mari ichashandiswa pabhavhadhe raVaMugabe richaitirwa kuMatopos kuMatabeleland South.

Gurukota rezvehumhizha mukufambiswa kwemashoko, Va Supa Mandiwanzira, vobvuma kuti Potraz ndiyo yakavhiringa zvinhu pagakava rekukwidzwa kwemari yedhata renharembozha.

Muchirongwa cheLiveTalk na 8:00pm tiri kutarisa kushungurudzwa kuri kuitwa vanhu vachinzi vabhadhare mari yekushandisa pabhavhadhe raVaMugabe.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai Whatsapp panhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na 7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu.

Your browser doesn’t support HTML5

Misoro Yenhau Dzanhasi Muvhuro, Kukadzi 06, 2017