VaPhillip Chiyangwa Vokokera Komiti yeZanu PF Ichatsvaga Mari yeKuona Kuti VaMNangagwa Vadzoserwa paNyanga Muna 2023

  • Thomas Chiripasi

Businessman Phillip Chiyangwa has been elected ZIFA president. (Courtesy: Phillip Chiyangwa Facebook page)

Mutungamiri weZanu PF, uye vari mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vaumba komiti ichatsvaga mari inodarika zana nemakumi mana emamiriyoni emadhora ekuAmerica ichashandiswa neZanu PF mukutsvaga rutsigiro pamberi pesarudzo dzemuna 2023.

Vachitaura nevatori venhau pamuzinda webato reZanu PF nhasi, munyori anoona nezvemari muZanu PF, VaPatrick Chinamasa, vati komiti iyi ichange ichitungamirirwa namuzvinabhizimusi uye vari nhengo yeCentral Committee muZanu PF, VaPhillip Chiyangwa.

VaChinamasa vatiwo komiti iyi, iyo inosanganisirawo mutungamiri weGrain Millers Association of Zimbabwe, VaTafadzwa Musarara, nemumwe muzvinabhizimusi, VaScot Sakupwanya, avo vanozivikanwa zvikuru munyaya dzekucherwa kwegoridhe, yatotanga basa rayo.

VaChinamasa vati mari iyi ichashandiswa zvakare mukuita gadziriro nemusangano wepagore webato ravo uyo uri kuitirwa kuBindura rwendo rwuno pamwe nekutsigira kusarudzwa kwaVaMnangagwa semutungamiri wenyika muna 2023.

VaChiyangwa vaudza Studio 7 kuti kunyange VaMnangagwa vavati vatsvage mamiriyoni makumi mapfumbamwe emadhora ekuAmerica, ivo nekomiti yavo vari kutarisira kuunganidza mari inoita mamiriyoni zana nemakumi emadhora ($140m) vachiti vari kutarisira kuti purovhinzi yegayega iunganidze mari inoita mamiriyoni gumi emadhora ekuAmerica.

Asi mutevedzeri wemutauriri weMDC Alliance, VaClifford Hlatywayo, vashora Zanu PF nekuumba komiti iyi vachiti bato iri rinongofunga zvesarudzo nguva nenguva risingafunge zvekugadzirisa matambudziko ari kusangana neveruzhinji.

VaHlatywayo vati chinoshamisa ndechekuti Zanu PF iri kuda kuti zvizvarwa zveZimbabwe zviipewo mari asi bato iri richigara rakashandisa mutemo wePolitical Parties and Finance Act kuti mapato anopikisa asapihwe mari kubva kunze kwenyika.

Kunyange hazvo mitemo yenyika icharambidza mapato kuwana mari inobva kunze kwenyika, Zanu PF ine nhoroondo yekupihwa mari nemadzisahwira ayo anosanganisira hurumende dzenyika dzinoti Equatorial Guinea, Angola, Democratic Republic of the Congo nedzimwe nyika, izvo zvinonzi nenyanzvi munyaya dzemitemo zvinotyora mitemo yenyika.

Mukuru weCentre for Natural Resource Governance, VaFarai Maguwu, vati makambani ehurumende mazhinji ndiwo anoona chitsvuku chekubvisiswa mari ichinoshandiswa muzvirongwa zveZanu PF vachiti Zanu PF inowanzoita chikiribidi nemakambani mazhinji ichinombora mugapu renyika kana ine hurongwa hwakadai.

Asi Zanu PF inoti ichatsvaga mari iyi kune vemabhizimusi, vemigodhi, varimi vakagariswa patsva, zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika pamwe neveruzhinji munyika.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Thomas Chiripasi