America Yozeya Nyaya yeSarudzo muZimbabwe

  • Blessing Zulu

Chris Coons

Komiti yedare reseneti yezvekudyidzana nedzimwe nyika muAmerica yaita musangano neChipiri wekuzeya nyaya yeZimbabwe munguva iyo nyika yatarisana nesarudzo.

Sachigaro wekomiti yeparamende yezvekudyidzana nedzimwe nyika, VaChristopher Coons, ndivo vange vachikokera musangano uyu.

Vataura mumusangano uyu vose vapa huchapupu hwekuti Zimbabwe ikamhanyirira kuita sarudzo musi wa31 Chikunguru sarudzo idzi dzinenge dzisina kuchena.

Vange vachipa maonero avo vamiriri vehurumende yeAmerica pamwe nemasangano akazvimirira oga anosanganisira International Crisis Group neHuman Rights Watch.

Vakafanobata chigaro chemunyori mukudyidzana kweAmerica neAfrica, kana kuti Acting Assistant Secretary for African Affairs muhurumende yeVaBarack Obama, VaDonald Yamamoto, vanoti America ichatanga kudyidzana neZimbabwe ndokunge yaita sarudzo dzakachena.

Vanotiwo panofanira kuvandudzwa mitemo yakawanda sarudzo dzisati dzaitwa, uye pakasaitwa sarudzo dzakachena, vachatora matanho avasina kutaura asi vachiti anenge akaomarara.

Nynzvi munyaya dzeZimbabwe musangano re Center for Global Development, VaTodd Moss, vanoti vakuru vakuru muZimbabwe vanofanirwa kuomeserwa kana vakaramba vachityora kodzero dzevanhu.

Vanoti zvirango zvinofanirawo kuramba zviripo kana pakaitwa sarudzo dzisina kuchena.

Chipangamazano musangano Human Rights Watch mubazi re Africa, VaDewa Mavhinga, vanoti vanhu vemuZimbabwe havasi kuda mhirizhonga musarudzo uye vanoda kuti sarudzo dziitwe nyika yagadzirira zvakakwana.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaDewa Mavhinga