Zanu PF Yoita Sarudzo Dzayo neSvondo Dzichabuda neVachamirira Bato Musarudzo

Dewa MavhingaHuman Rights Watch.

Zanu PF iri kuita sarudzo dzema primaries neSvondo mumatunhu ose emunyika.

Sarudzo idzi ndedzekutsvaga vachamiririra bato iri musarudzo dzemakanzura, National Assembly, ne Senate.

Gadziriro yesarudzo idzi yanga isina kumira zvakanaka mubato iri sezvo panga paine makakatanwa anotyisa.

Vamwe vanhu vange vachipumhana huroyi, kuita chiokomuhomwe, pamwe nekuratidzira vamwe vachiti zvinhu hazvisi kufamba zvakanaka, zvikuru kuvanhu vanofungidzirwa kuti ndeve Generation 40, iyo yagara ichirwisana ne Team Lacoste inotsigira mutungamiri webato, Va Emerson Mnangagwa .

Studio 7 yaedza kutaura nemurongi wemisangano mu Zanu PF, Va Engelbert Rugeje, asi vanga vasiri kudaira nharembozha yavo.

Muongororiu we zvematongerwo enyika uye vari mukuru wesangano re Human Rights Watch kuchamhembe kwe Africa, Va Dhewa Mavhinga, vanoti rwendo rwuno Zanu PF ichabuda isina kusimba nepamusana pemakakatanwa ari mubato iri.

VaMavhinga vanoti kurudziro yavo kuhurumende nemapato ose ezvematongerwo enyika ndeyekuti vanhu vasaite zvechiokomuhomwe, zvehuori uye zvekumanikidza nekumbunyikidza vanhu mukusarudza vatungamiri vavanoda kuti vagovamiririra musarudzo.

VaMavhinga vanoti kana zvinhu zvichiratidza kuomera Zanu PF, rinova bato guru, zvinogona kuomerawo mamwe mapato anopikisa zvakanyanya.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaDewa Mavhinga