Sangano reVarairidzi reARTUZ Rochema Chema neKutyorwa Kwekodzero dzeVadzidzi

Sangano rinomiririra vadzidzisi vekumaruwa, reAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe, ARTUZ, rinoti rine mazano arinoda kuti komiti yeparamende inoona nezvedzidzo iise mubumbiro remitemo.

Mutungamiriri weARTUZ, VaObert Masaraure, vanoti kunyange hazvo vane zvichemo zvinosanganisira mihoro mishoma nekusabatwa zvakanaka kwevadzidzisi, zvimwe zvezvichemo zvavo hazvidi mari asi mitemo inofanirwa kuteedzerwa nehurumende kuti vana vawane dzidzo yakanaka.

VaMasaraure vati hazvikodzeri kuti vana vechikoro muZimbabwe vapindire chikoro pasi pemiti izvo zvavanoti zvinogona kumiswa kana hurumende ikazvipira kusimudzira dzidzo yevana.

Vati gwaro ravo richaendeswa kuparamende nhasi uye vachasvitsavo gwaro iri kugurukota yezvedzidzo yepasi Muzvinafundo Paul Madzima.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurkuro naVaObert Masaraure