Sangano reHuman Rights Watch Rotaura nezveMhirizhonga

Sangano reHuman Rights Watch rinoti mhirizhonga iri kuitika munyika, izvo zviri kuratidza pachena kuti hurumende yemubatanidzwa iri kutadza kuita basa rayo.

Sangano iri rinotiwo kodzero dzevanhu dziri kuramba dzichityorwa muchirongwa chekunyorwa kwebumbiro idzva remitemo yenyika.

Mumwe wemasachigaro ekomiti yeparamende iri kutungamira kunyorwa kwebumbiro idzva, yeCOPAC, VaDouglas Mwonzora, vanoti komiti yavo iri kuedza napose painogona napo kuona kuti nzvimbo dzakatadza kuitwa chirongwa chavo, dzichaitwa nenzira kwayo.

VaMwonzora vanotiwo mhirizhonga iri kuitika nekuti mapurisa haasi kuita basa rawo nemazvo.