SADC inonzi haisi kuziva kuti yotora gwara ripi pakugadzirisa nyaya yemisariridzwa yehurumende yemubatanidzwa sezvo pasina chakati tsvikiti chati chabuda.
Gwaro rekutanga rine zvishoma zvatenderanwa, asi zvisiri pamwongo wenyaya, rinonzi rakatoendeswa kuna sachigaro weSADC Troika, uye vari mutungamiri weMozambique, VaArmando Guebuza.
Mutungamiri weSouth Africa, uye vari mutongi gava panyaya yeZimbabwe, VaJacob Zuma, ndivo vakapa VaGuebuza gwaro iri.
Asi chipangamazano chaVaZuma, Muzvare Lindiwe Zulu, vaudza Studio7 kuti havakwanise kutaura zviri mugwaro iri.
Asi vati gwaroi iri rinoratidza nyaya hadzisati dzapera kugadziriswa zvekuti SADC hapana chaingaite kunze kwekuona kuti mapato emuZimbabwe apedza nhaurirano nechimbichimbi.
Vati vari kutarisira kuti mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, uye mutevedzeri wemutungamiri wehurumende, VaArthur Mutambara, vachasangana neMuvhuro, vowirirana pane zvasara.
VaMugabe naVaTsvangirai vachiri kunetsana nenyaya yagavhuna webhanga guru renyika, muchuchusi mukuru wehurumende, kugadzwa kwemagavhuna ematunhu, uye kutoreswa mhiko kwemubati wehomwe mu MDC, VaRoy Bennett, semutevedzeri wegurukota rezvekurima.
Asi vane ruzivo nezviri kuitika vanoti zvinenge zvava kukona n’ana murapwa achada. Vanotungamira chikwata chaVaMutambara munhaurirano, VaWelshman Ncube, vanonzi havasi munyika, nekudaro nhaurirano dzange dzichifanirwa kutanga neChishanu, dzichatadza kubudirira.
Vari kutungamira MDC yaVaTsvangirai munhaurirano idzi, VaTendai Biti, pamwe nevari kutungamira Zanu-PF, VaPatrick Chinamasa, vanotiwo havasi kuziva kuti VaNcube vanodzoka riini.
VaPhilip Pasirayi ndi Executive Director wesangano re Center for Community Development. VaPasirayi vanoti Zanu-PF ndiyo iri kusunga rundaza munzira yenhaurirano.