SADC Yokurudzirwa Kubatsira Mozambique NeChimbi-chimbi

SADC

Sangano reSADC rinoti bazi raro rinoona ne zvematongerwo nekudzivirirwa kwenyika, reSADC Organ on Politics, Defence and Security, richaita musangano mukuru svondo rino kukurukura pamusoro pekusagadzikana kuri kuramba kuchiitika kumavodzanyemba kweMozambique .

Vanoongorora zvematongerwo enyika vachidzidzisa paTswane University of Technology, Doctor Ricky Mukonza, vanoti SADC inokwanisa kupedza kurwisana uku kana ikazvipira, vachiti SADC yakapedza kurwisana munyika dzakaita seDR Congo, Lesotho nedzimwe, naizvozvo haingatadzi kupedza kurwisana mu Mozambique.

Varwi vanopfurikidza mwero, vechitendero cheIslam, vari kuwedzera kurwisa kwavo hurumende yeMozambique mudunhu reCabo Delgado uko vanhu vazhinji vari kuurayiwa vamwe vachidimburwa misoro.

Svondo rapera, sachigaro vegungano renyika dze muAfrica, reAfrica Union, VaMoussa Faki Mahamat, vakakurudzira nyika dzemunharaunda iyi kuti dziite zvadzingakwanisa mukugadzirisa nyaya iyi nekukurumidza.

Doctor Mukonza vati SADC inofanirwa kupindira nekukurumidza sezvo kurwiswa kuri kuitwa Mozambique kuchigona kudaukira kune dzimwe nyika munharaunda yeSADC.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naDoctor Ricky Mukonza