WFP Inoti Zimbabwe Yatarisana neNzara Inotyisa

  • Blessing Zulu

Sangano reWorld Food Program, WFP, rinoti rinoda mari inosvika mamiriyoni makumi mashanu nematanhatu emadhora kuitira kuti ribatsire vamwe vevanhu vanosvika miriyoni imwe chete nemazana mashanu ezviuru vemuZimbabwe vakatarisana nenzara inotyisa.

Rubatsiro urwu rwuri kudiwa zvechimbi chimbi sezvo nyika isina kuwana goho rakanaka mwaka wapera.

Sangano iri rinotiwo zvikamu makumi mashanu nezvitanhatu kubva muzana zvevana vari pamwedzi mashanu kusvika pamakore matanhatu havana kudya kunovaka miviri zvopa kuti vasakure zvakanaka.

WFP inoti iyo iri kutarisira kubatsira vanhu vanosvika zviuru mazana masere chete uye vamwe zviuru mazana manomwe vanofanirwa kubatsirwawo nehurumende nemamwe masangano anobatsira.

Hurumende yakadoma mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, kuti vave sachigaro wedare remakurukota riri kutarisa nezvenyaya dzechikafu. VaMnangagwa vakavimbisa vanhu kuti hapana anoziya nenzara.

Asi vanhu vakawanda vanoti nekuda kwekuondomoka kwehupfumi, vave kuziya nenzara.

Mutungamiri wesangano reChristian Care, Reverend Stanlus Chatikobo, avo vanoshanda neWFP vanoti zvinhu hazvina kumira zvakanaka munyaya dzechikafu.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaStanlus Chatikobo