Russia Yopindira Zvakare Sarudzo Dziri Kuitwa muAmerica?

Bernie Sanders

Kupindira kweRussia munyaya dzesarudzo dzemu America kwasimudza mutauro zvakare zvichitevera kubuda kwemashoko ekuti nyika iyi iri kuda kuti mumwe wevari kukwikwidza musarudzo dzekutsvaga achamirira bato reDemocratic Party musarudzo yemutungamiri wenyika, VaBernie Sanders, vakunde musarudzo idzi.

Humbowo hunonzi hune vasori vemuAmerica hunoratidzawo kuti Russia iri kutsigirawo mutungamiri wenyika, VaDonald Trump.

Nyaya yeRussia yekupindira musarudzo yemutungamiri yakaitika zvakare apo VaTrump vaikwikwidzana naAmai Hillary Clinton veDemocratic Party.

Mutevedzeri wasachigaro weMDC North America Province, VaZvidzai Ruzvidzo, vanoti chinhu chinenge chakashata kuti imwe nyika ipindire musarudzo yeimwe nyika.

VaSanders vakaburitsa mashoko ekushora zviri kuitwa neRussia vachiti nyika iyi haifanirwe kupindira musarudzo dzemuAmerica vachiti havawirirane nazvo.

Pari zvino VaSanders ndivo vari kutungamira musarudzo dzemuDemocratic Party.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaZvidzai Ruzvidzo