Rtd Lieutenant Col. Piki Vopambwa muHarare Vachinzi Vaida Kubatsira VaChamisa

VaElliot Piki

Retired Lieutenant Colonel Elliot Piki avo vange vachitarisirwa kupa humbowo pamberi pekomisheni yaVaKgalema Motlante vanonzi vakapambwa kumba kwavo paRetreat Farm kuWaterfalls nemusi weSvondo nenguva dza 4 masikati. VaPiki vanonzi vakapambwa nevanhu vainge vakazvivhara kumeso.

VaPiki vanonzi vakaendesa gwaro kukomisheni yaVaMothlante vachitaura nezvekupfurwa kwevanhu musi wa 1 Nyamavhuvhu.

Mutauriri wemapurisa Senior Assistant Commissioner Charity Charamba vaudza Studio 7 kuti mudzimai waVaPiki akamhangara kumapurisa nezvekupambwa kwavo uye vari kuferefeta nyaya iyi.

Gweta raVaPiki, VaJeremiah Bamu vanoshanda nesangano reZimbabwe Lawyers for Human Rights vanoti pakapambwa VaPiki pakaridzwa pfuti uye vanhu vacho vakavaudza kuti vaisafara kuti vaida kubatsira kuchenura mutungamiri weMDC vaNelson Chamisa kubva kukomisheni yaVaMothlante.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaJeremiah Bamu

Asi mutauriri wekomisheni yaVaMothlante VaJohn Masuku vati havana humbowo hwekuti VaPiki vange vachifanira kupa humbowo neMuvhuro.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaJohn Masuku