Retired Colonel Piki Vanopukunyika Kubva muMaoko eVange Vavapamba

  • Blessing Zulu

Elliot Piki

Retired Lieutenant Colonel Elliot Piki avo vange vachitarisirwa kupa humbowo pamberi pekomisheni yaVaKgalema Mothlante iri kuongorora kupfurwa kwakaitwa vanhu muHarare nemusi wa 1 Nyamavhuvhu vakapambwa nemusi weSvondo vanonzi vawanikwa.

Gweta raVaPiki, VaObey Shava vanoshanda nesangano reZimbabwe Lawyers for Human Rights vaudza Studio 7 kuti VaPiki vakatozoita zvekupukunyuka vave kuRushinga, Mashonaland Central asi havana kukuvara.

VaPiki vanonzi vakapambwa kumba kwavo paRetreat Farm kuWaterfalls nenguva dza 4 masikati. Vanonzi vakapambwa nevanhu vainge vakazvivhara kumeso.

Mutauriri wemapurisa Senior Assistant Commissioner Charity Charamba vakaudza Studio 7 nemusi weMuvhuro kuti mudzimai waVaPiki ainge amhan’ara kumapurisa nezvekupambwa kwavo uye vari kuferefeta nyaya iyi.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika Doctor Pedzisayi Ruhanya vanoti dambudziko remuZimbabwe nderekuti dzimwe nguva vasori nevanochengetedza mutemo vanongoita madiro aJojina vachipamba vanhu pasina anosungwa.