RBZ Inoti Vanhu Vave Kukwanisa Kutenga Mari yeKunze kumaBureaux de Change Asi Nyanzvi Dzichiti Mari Yacho Haipo

  • Blessing Zulu

Gavhuna webhanga guru renyika, Doctor John Mangudya, vakapa mvumo kuma bureaux de change kuti akwanise kutengesera vanhuwo zvavo mari inosvika madhora mazana maviri pamwedzi.

Nyanzvi munyaya dzezvemabhanga, VaGilbert Muponda, vaudza Studio 7 kuti iri danho rakanaka asi panoda kuti Zimbabwe itsvage nzira dzekuunza mari kuburikidza nekutengesa zvinhu zvakawanda kunze kwenyika.

VaMangudya negurukota rezvemari, VaMthuli Ncube, vanoti vari kuyedza napose pavanogona napo kuti musika wemukoto usarambe uchipararira sezvo wave kupa kuti dhora remunyika rishaye simba uye mitengo yezvinhu ichiwedzerwa.

Pamusika uri pamutemo, dhora rimwe chete rekuAmerica riri kutengwa nemadhora makumi masere nemashanu asi pamukoto riri kutengwa nemadhora zana nemakumi matanhatu nemashanu.

Izvi zvave kupa kuti nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzikurudzire Muzvinafundo Ncube kuti vaderedze huremu hwedhora remunyika.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaGilbert Muponda