Kupesana kweMashoko muHurumende paHurongwa hwaVaChinamasa Kwoshorwa Nevamwe

  • Jonga Kandemiiri

Gurukota rezvemari VaPatrick Chinamasa

Svondo rino ruzhinji rweZimbabwe rwakashamisika nekusataura nezwi rimwe chete kwakaratidzwa nehurumende mushure mekunge gurukota rezvekuburitswa kwemashoko VaChris Mushowe varamba zvakasimbisisa mashoko akaturwa negurukota rezvemari VaPatrick Chinamasa ekuti hurumende gore rino haisi kuzopa vashandi vayo mabhonasi sezvo isina mari.

Vachiparura hurongwa hwavo hwemashandisirwo emari hwepakati pegore svondo rapera, VaChinamasa vakati senzira yekumutsiridza nayo hupfumi hwenyika uhwo hwaenda kumawere, hurumende ichabvisa kwemakore maviri mabhonasi evashandi, yobata mitero yemari dzavo dzekubatsirikana pamwe nekumisa vashandi zviuru makumi maviri nezvishanu mabasa.

Asi VaMushowe vakaudza bepanhau reHerald kuti dare remakurukota rakaramba kutambira pfungwa dzaVaChinamasa idzi pavakadzitura muna Chikunguru nekutanga kwemwedzi uno.

Asi vamwe vari kuti VaChinamasa havangaiti zvavo voga, nekuti kuita izvi muhurumende yaVaMugabe kuzvisikira moto muziso. Vanoti dai VaChinamasa vakaita zvavo voga vanga dai vakatomiswa basa kare naVaMugabe.

Vane maonero aya vanoti hurumende yaVaMugabe yakazoona kutsamwa kwevanhu saka yave kudududza kubva papfungwa yayo yekutanga, inove yekudimura mihoro yevashandi vayo.

Gore rapera VaChinamasa vakambosimudza zvakare mashoko ekuda kunyima vashandi vehurumende mabhonasi, asi izvi zvakaramba kutambirwa naVaMugabe, avo vakapa VaChinamasa mhosva yekusatanga vanzwa pfungwa dzevamwe.

Mutungamiri weProgressive Teachers Union of Zimbabwe, uye vari nyanzvi mune zvematongerwo enyika, Doctor Takavafira Zhou vanoti havafungi kuti VaChinamasa vakaita zano ndega panyaya iyi, asi kuti Zanu PF yakazoona kukosha kwesarudzo dzakatarisana nenyika dza2018 saka yakashandura pfungwa.

Doctor Zhou vanoti sevashandi havaneyi nekuti hurumende yawanepi mari yekuvapa.

Ukuwo, nhengo yeZanu PF uye vari mumiriri wePelandaba/Mpopoma mudare reparamende VaJoseph Tshuma vanoti kunyange VaChinamasa vakataura mashoko aya, zviri pamutemo kuti pfungwa dzavo dzizeyiwe nevamwe muhurumende kuona kana dzichishanda, zvinove zvakaitika.

VaTshuma vanoti zvakakosha kuti mune remangwana hurumende inzwewo pfungwa dzevamwe vanenge vaine chekuita nenyaya dzakadai.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaJoseph Tshuma Pamwe naDoctor Takavafira Zhou