Nhengo dzesangano reNational Aids Council dzakabatana nemamwe masangano anosanganisira reZimbabwe National Network of People Living With HIV, ZNNP+, pamwe neveruzhinji vakafora mumigwagwa yemuHarare neChishanu vakatidza makenduru vachirangarira zuva rekuyeuka vanhu vakashaya neAIDS, reInternational AIDS Candlelight Memorial 2014.
Zuva iri rinocherechedzwa musi weSvondo wechitatu wogawoga mumwedzi waChivabvu pasi rose. Asi Zimbabwe yakanonoka kuricherechedza nezvimhingamipinyi zvakasiyanasiyana.
Vanoona nezvekuburitswa kwemashoko musangano reNational Aids Council, Amai Tadiwa Pfupa vanoti vane hama dzakashaya nemukondombera vanyorawo mazita ehama dzavo dzakashaya pazijira ranga rakawaridzwa pasi.
Zuva reInternational AIDS Candlelight Memorial iro rinorongwa nesangano reGlobal Network of People living with HIV inotungamirwa nemubatanidzwa wemasangano anosvika chiuru nemazana maviri ari munyika zana negumi neshanu.
Amai Pfupa vanoti zuva reInternational AIDS Candlelight Memorial harisi zuva rekungoungana chete asi kuti vanotora mukana uyu kudzidzisa vanhu pamusoro peHIV/AIDS uye kudzidzisa vane hama dzinorarama nechirwere ichi kuti havafanirwe kusema hama dzinonorarama nechirwere ichi sezvo chisinga tapuriranwe.
Vanhu vanodarika mamiriyoni makumi matatu nematatu vanonzi vanorarama neHIV/AIDS pasi rose.
Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro naAmai Tadiwa Pfupa