WASHINGTON —
Vashandi vesangano rinobatsira vanenge vashungurudzwa, reCounselling Services Unit, CSU, avo vakasungwa neMuvhuro vachipomerwa mhosva yekunyora-nyora zvidziro zvechimwe chivakwa muBulawayo, vachiri mumaoko emapurisa pakamba yeHarare Central apo vari kutarisirwa kurara zvakare usiku hweChipiri.
Magweta eZimbabwe Lawyers for Human Rights, ayo ari kumirira mukuru wesangano iri, VaFidelis Mudimu, VaZachariah Godi pamwe naVaTaFadzwa Gesa, anoti mapurisa ari kuti achiri kugadzira magwaro emhosva yavari kupomerwa.
Mapurisa anzi ari kuti vasungwa ava vangangoendeswa kuBulawayo, kunonzi ndiko kwakaparirwa mhosva iyi.
Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi remapurisa panyaya iyi.
Asi mutauriri weZimbabwe Lawyers for Human Rights, VaKumbirai Mafunda, vanoti havaoni mapurisa achiendesa vasungwa ava kumatare neChitatu sezvo ari kuratidza kunge ari kuda kuti vagare muhusungwa kwenguva yakareba.