Vanhu Vochemachema muHarare neMari dzeMakombi

  • Jonga Kandemiiri

Makombi haachabvumidzwi kumirira vanhu ari muguta

Vagari vemuHarare vari kuchema chema nekukwidzwa kwemari dzemakombi kubva pakabviswa makombi mukati meguta achiendeswa kunzvimbo yaanomirira ari yeConventry Road Holding Bay.

Sachigaro werimwe sangano revagari vemuHarare, reCombined Harare Residents Association, CHRA, VaSimbarashe Moyo, vanoti vemakombi vave kubhadharisa dhora rimwe chete parwendo rwaisibhadharwa masendi makumi mashanu kana maranzi mashanu.

Vanoti vemakombi vari kuti vakaita izvi sezvo vave kupedza nguva vakamirira kudaidzwa kuti vapinde muguta kunotora vanhu.

Mumwe anotyaira kombi aramba kudomwa nezita anoti zvimwe zvakaita kuti vakwidze mari idzi inyaya yekuti pavanosiya vanhu muguta vachienda kuna Coventry Road kana kudzoka muguta vanenge vasina kutakura vanhu asi vachishandisa mafuta.

Asi mutauriri wevanotakura vanhu, VaFarai Muza, vaudza Studio7 kuti nhengo dzavo hadzina kuwedzera mari dzekutakura vanhu, asi kuti vemakombi vasina matsamba avo vasiri kuenda kuna Coventry Road, ndivo vari kubhadharisa vanhu mari dziri pamusoro idzi.

VaMuza vanoti izvi zviri kukonzerwa nenguva inotorwa nemakombi kubva kuna Coventry Road kuenda munzvimbo dzaanofanirwa kutakurira vanhu. Vatiwo kukundikana kwekanzuru kurambidza vasina magwaro kutakura vanhu kubva munzvimbo dzisingabvumidzwi kuri kuita kuti izvi zviitike.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaSimbarashe Moyo