Chirongwa chekuverengwa kwevanhu, cheNational Population Census, chiri kupetwa pakati peusiku paine kusiyana mumaonero evanhu pamusoro pemafambisirwo achakaitwa.
Pane vamwe vanofunga kuti umbowo huchaburitswa pachirongwa ichi hauenderane nehuwandu chaihwo hwevanhu sezvo mune dzimwe nzvimbo makaita matambudziko ekushayikwa kwemafomu, dzimwewo nzvimbo dzichinzi dzainetsa kusvika nekuda kwekushayikwa kwezvekufambisa.
Dzimwe nzvimbo ndidzowo dzinonzi hadzina kugara vanhu zvakarongeka, izvo zvinonzi zvingangoita kuti vakawanda vasiiwe nechirongwa ichi.
Vamwe vevaiverengawo vanhu vanonzi vakatozivisa kuti vacharambira zvavari kuunganidza sezvo vasati vapedzerana nebazi reZIMSTAT pamusoro pemari dzavachabhadharwa kuita basa iri, zvinove zvimwe zvezvinotyirwa kuti zvingangokanganisa zvichaburitswa nechirongwa ichi.
Asi mukuru anoona nezvekuburitswa kwemashoko mubazi reZIMSTAT vachiona nezvekuverengwa kwevanhu, VaWashington Mapeta, vati vari kugutsikana nemafambiro aita chirongwa ichi kusvika pari zvino, vachiti vanoona sevakwanisa kuzadzisa zvikamu zvinosiya padikidiki kusvika zana kubva muzana.
VaMapeta vatiwo zvichabuda muchirongwa ichi zvinotarisirwa kutanga kuburitswa mukupera kwegore rino.
Vatiwo vari kuverenga vanhu vanotarisirwa kutanga kubhadharwa kubva neChipiri kana vachinge vasvitsa zvavakaunganidza kubva muvanhu.

Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro naVaWashington Mapeta