Zvimhingamupinyi muChirongwa cheKuveregwa kweVanhu

  • Jonga Kandemiiri

Zimbabwe

Chirongwa chekuverengwa kwevanhu, icho chapinda muzuva rechitanhatu, chinonzi chasangana nedambudziko rekushaikwa kwemafomu anonyorwa zviri kubva muvanhu.

Mashoko atawana anoti dambudziko iri ramisa kufambiswa kwebasa zvikuru kuBulawayo nedzimwe nzvimbo kumatunhu eMatabeleland South neMatabeleland North, Masvingo nedzimwe nzvimbo.

Mukuru anoona nezvekuburitswa kwemashoko mubazi reZIMSTAT vachiona nezvekuverengwa kwevanhu, VaWashington Mapeta, vanoti ichokwadi kuti vasangana nedambudziko iri, vakati izvi zvakakonzerwa nevaironga avo vasina kutakura mafomu akakwana.

VaMapeta vati dambudziko iri riri kugadziriswa, uye vanotarisira kubata nguva yavanosungirwa kunge vapeta chirongwa ichi.

Mazuva apera chirongwa ichi changa chiine dambudziko rezvipfeko zvevari kuverenga vanhu, iro rinonzi naVaMapeta rakazogadziriswa.

Zvatawanawo kubva mune dzimwe nzvimbo dzakaita seMurehwa North zvinoratidzawo kuti chirongwa ichi chiri kufamba zvakanaka.

Zimbabwe inofanirwa kuverenga vanhu vayo mumakore gumi. Zimbabwe yakapedzisira kuverenga vanhu muna 2002 apo vanhu vaive munyika vakadarika mamiriyoni gumi nerimwe nechidimbu.

Nyanzvi munyaya dzehupfumi dzinoti chirongwa ichi chakakosha sezvo chichipa hurumende mukana wekuziva huwandu hwevanhu vari munzvimbo dzakasiyana siyana.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaWashington Mapeta