Mapato Okurudzira Runyararo Munyika kwaMutare

  • Loirdham Moyo

Mapato Obatana

Nhengo dzemapato matatu ezvematongerwo enyika ari muhurumende yemubatanidzwa dzabatana neChishanu muchirongwa chekukurudzira runyararo munyika.

Nhengo idzi dzafora kubva muSakubva dzichienda mukati meguta umo dzatsvaira nzvimbo dzange dziine tsvina.

Izvi zvaitwa muhurongwa hwanga hwakarongwa neboka re Joint Monitoring and Implementation Committee, JOMIC, paine chinangwa chekuti vanhu vagarisane murunyararo.

Vatsigiri vemapato maviri e-MDC pamwe nevatsigiri ve Zanu PF, vanga vakapfeka mbatya dzemapato avo.

Vanhu ava vasati vatanga hurongwa hwavo, vanamatirwa naBishop Alexio Muchabaiwa veRoman Catholic, vachikumbira kuti munyika muve nerunyararo.

Vange vakamirira sachigaro we-Zanu PF muManicaland, VaMike Madiro avo vange vasipo , VaTendai Samanga, vati zvinhu zvinonyadzisa kuona vanhu vachirwira nyaya dzematongerwo enyika.

Vachitaurawo pachiitiko ichi, sachigaro weMDC-T muManicaland, VaJulius Magarangoma, vatiwo vakuru muhurumende vari kusimbaradza runyararo munyika nokudaro veruzhinji havafanirwe kurwisana kunyange vasingawirirane.

Sachigaro weMDC-N, VaDavis Mundirwira, vatiwo vanhu vanofanirwa kuremekedza zvido zvevamwe vanhu munyaya dzematongerwo kuitira kuti vasarwisane.

Mutauriri wemapurisa muManicaland, Inspector Enock Chishiri, vatiwo zvakakosha kuti kana vanhu vadzokera kudzimba dzavo, vakoshese zvavanga vachiita neChishanu.

JOMIC inoti iri kukurudzira veruzhinji mumativi mana enyika kuti vagarisane murunyararo izvo zviri kupa kuti iite zvirongwa zvakadai munzvimbo dzakasiyana siyana.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Loirdham Moyo