Passengers Association Of Zimbabwe Inoshora Mapurisa neKukandira Makombi Zvipikiri Mumigwagwa

  • Blessing Zulu

VaTafadzwa Goliati, VePassangers Association of Zimbabwe

Mutungamiri wesangano rePassenger Association of Zimbabwe VaTafadzwa Goliati vanoti vari kushushikana zvikuru netsika yemamwe mapurisa yekukandira makombi zvipikiri mumigwagwa vachiti izvi zviri kuisa hupenyu hwevanhu munjodzi.

Nemusi weSvondo vemakombi vasina zvitambi zvekushanda vanonzi vaiita hwakiti nagonzo nemapurisa panokwirirwa michovha muna 4th Street muHarare.

Hurumende yakati vemakombi vose vanoda kuita basa vashande vari pasi peZUPCO asi vakawanda vari kuramba vachiti mari yavari kupihwa nekambani iyi ishoma zvikuru.

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vakati vanotsigira danho rekubvisa vemakombi vasiri kuda kushanda neZUPCO pamugwagwa vachiti vari kukonzera nyonga nyonga mumaguta.

Hatina kukwanisa kubata mutauriri wemapurisa Assistant Commissioner Paul Nyathi asi vakamboti nyaya dzekukandwa kwezvipikiri dzadzikira vachichema chemawo kuti mumwe mupurisa akatsikwa nekombi achiyedza kuimisa.

Vakuru vemapurisa vanomborambidza tsika yekukanda zvipikiri mumugwagwa sezvo ichiisa hupenyu hwevanhu munjodzi asi vakawanda vanoti zvichiri kuenderera mberi.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaTafadzwa Goliati