Mapato ose ezvematongerwo ari kukwikwidza musarudzo dzegore rino anyorerana chibvumirano chekuti achachengetedza pamwe nekukurudzira runyararo pamberi pesarudzo.
Vari kukwikwidza pasarudzo yemutungamiri wenyika vari makumi maviri nevatatu nhasi vatora mhiko yekuti ivo nemapato avo vachachengetedza runyararo pamberi pesarudzo.
Vachitaura pakutora kwavaita mhiko iyi, vanga vakamirira MDC-T inotungamirwa naVaNelson Chamisa, uye vari sachigaro webato iri, VaMorgan Komichi, vati hurumende inofanira kuona kuti masoja ose ari mumaruwa abviswa kuitira kuti mumaruwa ese muve nerunyararo uye veruzhinji vasagare vachitya.
VaKomichi vatiwo vari muchiuto vanofanira kubuda pachena vachitaura kuti vacharemekedza anenge akunda musarudzo zvisinei nekuti akaenda kuhondo here kana kuti kwete.
Izvi zvatsinhirwa nemutauriri weMDC yavaWelshman Ncube, VaKurauone Chihwayi, avo vati sarudzo dzose dzakapfuura dzaiitwa zvine mhirizhonga mukati zvaipa kuti sarudzo idzi dzisatambirike.
Mutungamiri webato reNational Constitutional Assembly, VaLovemore Madhuku, vati zvakakosha kuti mapato asangangotaura chete kuti kusave nemhirizhonga vachiti vemapato varemekedze zvavazvipira kuita.
Vanga vakamirira mutungamiri weZanu PF uye vari mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa, VaObert Mpofu, avo vanove munyori anoona nezvekufambiswa kwemabasa muZanu PF uye vari gurukota rinoona nezvinoitika mukati menyika, vati sebato riri kutonga pamwe nehurumende vachaita zvose zvinodiwa kuitira kuti sarudzo dzegore rino dziiitwe zviri pachena.
Imwe nhengo yeZanu PF, VaTafadzwa Mugwadi, vati kuita sarudzo murunyararo kwakakoshera kusimbaradza chimiro chenyika.
Mutungamiri webato reUnited Democracy Movement, Amai Violet Mariyacha, vati kazhinji vanhukadzi ndivo vanonyanyorwadziswa pose panoitwa mhirizhonga vachiti zvakakoshera madzimai kuti sarudzo dziitwe pasina mhirizhonga.
Sachigaro wekomisheni inoona nezvesarudzo yeZimbabwe Electoral Commission, Amai Priscilla Chigumba, vakurudzira mapato ezvematongerwo enyika kuti vaedze kugadzirisana murunyararo kana paita gakava panguva dzekutsvaga rutsigiro vachishandisa komiti yekomisheni yavo yeMulti-Party Liason Committee iyo yavati ichaumbwa nekomisheni yavo munguva pfupi iri kutevera.
VaFrancis Danha vebato reHashtag 1980 Freedom Movement Chinhu Chedu vadzingwa pachiitiko ichi nemapurisa mushure mekunge vatukirira Amai Chigumba vachiti havafanire kutaura sezvo vachiti vanofanira kusiya basa vachivapomera mhosva yekutadza kufambisa basa zvakanaka pamberi pesarudzo.
VaDanha vakatadzisa kuumbwa kweMulti-Party Liason Committee svondo rapera nezvikonzero zvimwechetezvo.
Kutorwa kwaitwa mhiko yekuchengetedza runyararo kwaitwa nevemapato ezvematongerwo enyika kwanga kwakarongwa nekomisheni inoona nezverunyararo nekupodzwa kwemaronda yeNational Peace and Reconciliation Commission.
Your browser doesn’t support HTML5
Nyaya Ina Thomas Chiripasi