Paramende Yozeya Bhiri reNhaurirano Pakati peVashandi neVashandirwi

  • Blessing Zulu

Dare reparamende

Dare reparamende richiri kuzeya bhiri rekuyedza kudzika mutemo wenhaurirano pakati pevashandi, vashandirwi ne hurumende kana kuti Tripartite Negotiating Forum Bill.

Komiti yeparamende inoona nezvemutemo yakatozeya bhiri iri ikati hapana chiri mariri chinganzi chinotyora bumbiro remutemo.

Komiti yeparamende inoona nezvevashandi iri kutarisirwawo kuti mumwedzi uno inge ichitaura nevanhu mumatunhu akasiyana siyana nezvavanodawo kuti zvinge zviri mubhiri iri. Gurukota rezvevashandi Doctor Sekai Nzenza vari kutarisirwa kupira bhiri iri kudare musi wa 5 Kurume.

Hatina kukwanisa kubata Doctor Nzenza kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi. Asi munyori mukuru wesangano revashandi reZimbabwe Congress of Trade Union VaJaphet Moyo vanoti hurumende iri kudya manonoko pakut bhiri iri rive mutemo uye vanovimba kuti kana rikapasiswa richabatsira kuunza kuyanana munyika.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaJaphet Moyo