Paramende Inoti VaChiwenga Havana Simba reKumisa Sarudzo

  • Blessing Zulu

Mutevedzeri wemutungamiri wenyika VaConstantino Chiwenga

Danho rehurumende rekumbomisa kuitwa kwesarudzo dzemaby-elections riri kukonzera mutauro wakanyanya munyika komiti yeparamende inoona nezvemitemo uye vesangano reZimbabwe Human Rights Commission kana kuti ZHRC vachibatana nemamwe masangano vachikurudzira hurumende kuti ione kuti sarudzo idzi dzaitwa sezviri kuitwa kune dzimwe nyika dzakaita seMalawi neTanzania.

Mutevedzeri wemutungamiri wenyika VaConstantino Chiwenga vanovazve gurukota rezvehutano vakadzika mutemo wechimbi chimbi wekumisa kuitwa kwesarudzo kana kuti Statutory Instrument, ( SI 225A /2020 of the Public Health COVID-19 prevention, Containment and Treatment) (Amendment) Regulations 2020, No. 4.). Asi paramende inoti uku kutyora bumbiro remitemo.

ZHRC inoti kudzingwa kwemakanzura nenhengo dzeparamende kuri kusiya vanhu vakawanda vasina anovamiririra zvopa kuti vasawane zvavanotarisira kuhurumende nemakanzuru.

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa, VaChiwenga neZimbabwe Electoral Commission vakatoendeswa kumatare nevari kuda kukwikwidza musarudzo idzi nemamwe masangano vachinzi vari kutyora mutemo nekusaita sarudzo idzi. VaChiwenga vakati sarudzo dzamiswa nenyaya yekutyira kupararira kweCovid-19.

Sachigaro weZEC Amai Priscilla Chigumba vaudza Studio 7 kuti havachakwanise kutaura sezvo nyaya yave kumatare.

Mutauriri webato reNCA VaMaddock Chivasa vati vanotambira danho rekumiswa kwesarudzo.

Asi mutevedzeri wemutauriri weMDC Alliance VaClifford Hlatywayo vati uku kutyora mutemo.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaMaddock Chivasa naVaClifford Hlatywayo