VaJob Sikhala Votanga Kutongwa Muna Ndira Gore Rinouya

Job Sikhala In Masvingo Court

Mutevedzeri wasachigaro veMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa, VaJob Sikhala, vaudzwa nedare redzimhosva kuMasvingo kuti nyaya yavari kupomerwa inofanirwa kuenda kunotongwa nedare repamusoro, sezvo vari kupomerwa mhosva huru ine chekuita nekuda kubvisa hurumende zvisiri pamutemo.

VaSikhala vakasungwa muna Chikunguru vachipomerwa mhosva yekutaura mashoko anonzi nehurumende aive akanangana nekuda kubvisa hurumende zvisiri pamutemo.

Munyori anoona nezvemitemo muMDC, VaInnocent Gonese, vanoti havana kufara nedanho iri sezvo zvose zviri kuitwa zviriine chinangwa chekushungurudza VaSikhala, avo vanove nhengo inomirira Zengeza West mudare reNational Assembly.

VaGonese vanoti vachaenda kudare iri panotanga kunzwikwa nyaya yaVaSikhala vachivatsigira sezvo VaSikhala vasina mhosva yavakapara.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaInnocent Gonese