Sangano reUnited Nations nemasangano anorwira kodzero dzevanhu uye anoona nezvesarudzo ari kukurudzira hurumende kuti iremekedze kodzero dzevanhu kusanganisirawo nyaya yekuti sarudzo dziitwe vanhu vabvumidzwewo kuratidzira murunyararo.
Nzvimbo dzakawanda munyika hadzina vamiriri mudare reparamende uye mumakanzuru zvichitevera kufa kwevamwe nezvirwere zvakasiyana siyana kusanganisira chirwere cheCovid-19 uye kudzingwa kwenhengo dzeMDC Alliance neMDCT-T mudare reparamende uye kudzingwa kwevamwe mubato reZanu-PF.
Kunyangwe hazvo nyika dzakawanda kusanganisira Tanzania, Uganda, Ghana, Malawi neAmerica dzakaita sarudzo, hurumende yeZimbabwe iri kuranba yakatsika madziro ichiti hakuna sarudzo dzinoitwa sezvo ichiti iri kurwisa denda reCovid-19. Masangano ari kukurudzira kuti kuitwe sarudzo anosanganisira Zimbabwe Election Support Network, Election Resource Centre, Human Rights Watch, Zimrights nemamwe.
Svondo rapera vamwe vechidiki vakaratidzirawo vachiti vari kuda kuti sarudzo dziitwe.
Gwet vari nhengo yeZanu-PF, VaTinomudaishe Chinyoka, vanoti Zimbabwe handi iyo yoga nyika yakundikana kuita sarudzo nekuda kweCovid-19 vachiti zviri kuitwa zvakanangana nekuchengetedza hutano hwevanhu.
Asi mutevedzeri wemutauriri weMDC Alliance, VaClifford Hlatywayo, vanoti zviri kutaurwa neZanu-PF ndezvemugotsi matsuro sezvo nyika dzakawanda dziri kuita sarudzo pasina matambudziko sezvo dziri kungotevedzera zviri kukurudzirwa neWorld Health Organization.
Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro naVaTinomudaishe Chinyoka naVaClifford Hlatywayo