Nyaya yeKuti Vashandi Votambira Marii paMwedzi Yokonza Mutauro kuTNF

  • Blessing Zulu

Gurukota rinoona nezvevashandi Muzvinafundo Paul Mavima vanoti nhaurirano pakati pehurumende vashandi, nevashandirwi pasi pegungano reTripartite Negotiating Forum dzinogona kutanga chero nguva sezvo vatenderana pane zvimwe zvekuisa mugungano sezvo vange vave makara asionane zvikuru nenyaya yemihoro.

Kunyangwe VaMavima vakaudza bepanhau reSunday Mail kuti vanofunga nhaurirano dzichafamba zvakanaka, munyori mukuru musangano revashadi reZimbabwe Congress of Trade Unions VaJaphet Moyo vanoti vacharamba vakamisa semusambangwena kuti mari dziri kutambiriswa vashandi dziwedzerwe patarwe mari inofanira kutambiriswa mushandi wepasi.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naJaphet Moyo

Mutungamiri wesangano revashandirwi reEmployers Confederation of Zimbabwe kana kuti EMCOZ, Doctor Israel Murefu vati nyaya dzemari yemuhoro dzinofanira kutaurwa kumaNational Employment Council kwete kuTNF.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naDoctor Israel Murefu