Nyaya yekuChinja Mazita eMigwagwa Yokonzera Mutauro

  • Blessing Zulu

VaEmmerson Mnangangwa

Nyaya yedare remakurukota yekuchinja mazita emigwagwa yakonzera mutauro wakanyanya vamwe vachiti mutemo wakatyorwa uye kupedza mguva kuzeya nyaya dzakadai mudarenyika yakatarisana nenzara.

Vamwe vanoti zviri pamutemo uye hapana chakaipa kuchinja mazita munyika.

Migwagwa inokwana misere mumadhorobha akasiyana siyana akapihwa zita remutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa kusanganisa Enterprise Road muHarare, Road, Sixth Avenue muBulawayo, A5 Road mu Kwekwe, Main Street mu Gweru, Chipinge Main Street, Etherton Road ku Bindura, Edgar Peacock Road kwa Mutare, Henry Hartley Road mu Chegutu uye Hughes Street kuMasvingo.

Ko zvekuchinja mazita izvi zviri pamutemo here? Muzvinafundo Lovemore Madhuku nyanzvi munyaya dzezvemitemo vachitungamirawo bato reNCA vanoti mutemo weNames Alteration Act Chapter 14:10 unopa hurumende simba rekuvandudza mazita emigwagwa.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naMuzvinafundo Lovemore Madhuku

Meya weguta reHarare vari nhengo yeMDC VaHerbert Gomba vati havana kunge vasumwa here nezvedanho iri uye vachatanga vanzwa kubva kumagweta avo kuti zvakaitwa zviri pamutemo here.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaHerbert Gomba