NRZ Yotakura Vanhu neZvitima muGuta reBulawayo

  • Blessing Zulu

National Railways of Zimbabwe kutanga nemusi weMuvhuro yakaparura chirongwa chekutakura vanhu muguta reBulawayo nezvitima kubva kumusha wevazhinji weCowdray Park kuenda muguta.

Vanhu vakawanda muguta iri vakataura neStudio 7 vati kunyangwe chitima chichinonoka kufamba zviri nani pane vemichovha avo vari kuvabhadharisa mari yakawanda.

Mutauriri weNRZ VaNyasha Maravanyika vanoti change chiri chido chavo kuti zvitima zvakawanda zvibatsire vanhu asi havana mari yekugadzirisa zvimwe zvisiri kushanda zvakanaka sezvo kambani yavo iri kutatarika parizvino.

Muna 2014 NRZ yakambomisa chirongwa chakadai ichiti hachina mari yachaiunza kukambani iyi.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaNyasha Maravanyika