Nhumwa dzaVaZuma Dzinopedza Basa Radzo muZimbabwe

  • Blessing Zulu

Nhumwa nhatu dzemutungamiri weSouth Africa, VaJacob Zuma, dzanga dziri muZimbabwe, kubva neSvondo, dzakadzokera kuSouth Africa neChipiri.

Nhumwa idzi dzave kutarisirwa kutura kuna VaZuma gwaro rezvadzakabuda nazvo munhaurirano nemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, uye vari kutungamira nhaurirano mumapato ari muhurumende yemubatanidzwa.

Nhumwa idzi dzinoti chipangamazano chaVaZuma munyaya dzekudyidzana nedzimwe nyika, Muzvare Lindiwe Zulu, uye vaimbova makurukota muhurumende yeSouth Africa, VaCharles Nqakula naVaMac Maharaja.

Muzvare Zulu vanoti basa ravo vapedza, uye zvasarira kuna VaZuma kuti vofambisa seyi nyaya yeZimbabwe.

Vane ruzivo nezviri kuitika munhaurirano pakati peMDC neZanu PF, vanoti patenderanwa kuti nyaya dzekuvandudzwa kwemitemo yenhau dziitwe nechimbi chimbi.

Zvinonzi neChpiri pange pachitarisirwa kuti pataurwe nyaya yemitemo yedare remakurukota, iyo inonzi inopa VaMugabe masimba akawandisa VaTsvangirai vachisara vasina masimba.

VaCharles Mangongera inyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika. VaMangongera vanoti zviri pachena kuti mitemo yedare remakurukota inoda kuvandudzwa nekuti haienderane nehurumende yemubatanidzwa.