Nhumwa dzaVaZuma Dzotsika Madziro

  • Blessing Zulu

Nhumwa dzemutungamiri weSouth Africa, VaJacob Zuma, dzinonzi neChitatu dzakatsika madziro dzichiti mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, pamwe nemutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, vabude pachena pazvinhu zvavanoti vawirirana, vobva varatidza pasi rose kuti vari kuremekedza chibvumirano cheGlobal Political Agreement, GPA.

Nhumwa idzi dzinonzi dzakaudzawo vari kutungamira nhaurirano pakati pemapato maviri eMDC neZanu-PF, kuti vataurewo zvinhu zvine musoro kwete kungopedzera hoko padehwe retsindi.

Chipangamazano chaVaZuma munyaya dzekudyidzana nedzimwe nyika, Amai Lindiwe Zulu, vaudza Studio 7 kuti vaita hurukuro naVaMugabe naVaTsvangirai uye vange vachitarisira manheru eChipiri kuita hurukuro naVaArthur Mutambara wechimwe chikwata cheMDC.

Nhumwa dzaVaZuma dzazopindira mushure mekunge vari kutungamira nhaurirano vemapato maviri eMDC neZanu-PF vati vambomira kuita nhaurirano idzi, vozodzisimudzira neMuvhuro panopera musangano mukuru weZanu-PF uri kutanga neChitatu muHarare.

Vane ruzivo nezviri kuitika vanoti pane zvimwe zvinhu zvinzoni zvawiriranwa munhaurirano idzi, izvo zvichapirwa kuna VaMugabe, VaTsvangirai naVaMutambare kuti vazeyewo pachavo.

Asi aka hakasi kekutanga vari munhaurirano idzi vachiwirirana pazvinhu zvinofanirwa kuitwa, asi zvichizobondera zvasvika kuvatungamiri vatatu ava.

Zvinonzi nyaya yeminda inofanirwa kuongororwa, uye nhepfenyuro dzinofanirwa kuvandudzwa, pamwe nemashandiro eZimpapers.

Nhaurirano idzi dzava kutatamuka dzichibata nyaya dzekuumbwa kweMass Media Trust itsva, kuitira kuti ive iyo inoona kushanda kwemapepanhau ari pasi peZimpapers akaita seHerald neChronicle, Sunday Mail, Manica Post nemamwe.

Nyaya dziri kunetsa dzakaita sedzagavhuna webhanga guru renyika, VaGideon Gono, muchuchusi mukuru wehurumende, VaJohannes Tomana, uye nyaya yekugadzwa kwaVaRoy Bennett semutevedzeri wegurukota rezvekurima, dzinonzi nevari kutungamira nhaurirano dzichazeyiwa neMuvhuro sezvo pasina kuwirirana. Asi nhumwa dzaVaZuma dzinoti zvose zviri kunetsa muhurumende ngazvigadziriswe nechimbi chimbi.

Vamwe vari munhaurirano vanoti nyaya yekunetsana kuri muZanu-PF iri kupa kuti vasapedze nyaya dziri kunetsa nekuti nhengo dzeZanu-PF dziri kutya kuti dzinganzi dzatengesa dzoshaya zvigaro pamusangano mukuru webato iri.

Izvi zvinonzi zvava kutemesa musoro vanhu veMDC vari kuti pane zvakabvumiranwa, hapana mazuva akati tsvikiti ati atarwa kuti zviitwe.

Asi MDC inoti inotarisira kuti chikwata chaVaZuma ndicho chichaona kuti zvatenderanwa zvaitwa nenguva. VaSydney Masamvu chipangamazano musangano reInternational Crisis Group kuchamhembe kweAfrica. VaMasamvu vanoti VaMugabe neZanu-PF mdivo vari kuisa mafeso munzira yenhaurirano.