Nhumwa dzaVaZuma Dzinosangana naVaTsvangirai naVaMugabe

  • Jonga Kandemiiri

Nhumwa nhatu dzemutungamiri weSouth Africa, uye vari muyananisi panyaya yeZimbabwe, VaJacob Zuma, dzasangana neMuvhuro nemutungamiri wehurumende, uye vari mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, vakataura pamusoro penyaya yezviri kunetsa muhurumende yemubatanidzwa.

Vakatumwa naVaZuma, vanosanganisira chipangamazano chavo, VaCharles Nqacula, avo vari kutungamira chikwata ichi.

Vamwe vari muchikwata ichi ndiMuzvare Lindiwe Zulu, vanova chipangamazano munyaya dzekudyidzana nedzimwe nyika, uye VaMac Maharaj. Vatatu ava vari kuongorora kuti nhaurirano pakati peMDC neZanu PF dziri kuitwa here sezvakatarwa neSADC Troika. Nhumwa idzi dziri kutarisirwa kubuda negwaro richasvitswa kuna VaZuma.

Pane mashoko anotiwo chikwata ichi chasanganawo nemutungamiri wenyika, uye vari mutungamiri weZanu PF, VaRobert Mugabe. Studio7 haina kukwanisa kutaura nevatauriri veZanu PF kuti tinzwewo divi ravo.

Hatina kukwanisa kunzwa kuti chikwata ichi chasanganawo here nemutungamiri wechimwe chikwata cheMDC, VaArthur Mutambara. Mutevedzeri wemutauriri wechikwata chaVaMutambara, VaRenson Gasela, vati havana ruzivo rwekuti nhumwa idzi dzasangana naVaMutambara here.

SADC Troika yakatara mazuva makumi matatu ekuti nhaurirano idzi dzinge dzapera, asi mazuva aya anosvika neMugovera svondo rino.

Mumwe wevari kutungamira nhaurirano muMDC yaVaTsvangirai, VaElton Mangoma, vatiwo havasi kutaura zviri kutora nzvimbo munhaurirano idzi.

Mutauriri waVaTsvangirai, VaJames Maridadi, vanoti VaTsvangirai, nhumwa dzaVaZuma kuti ivo pachavo vane chido chekuti nhaurirano idzi dzipere mukati menguva yakatarwa neSADC Troika.

VaTsvangirai vari kunetsana naVaMugabe pamusoro penyaya yekugadzwa kwagavhuna webhanga guru renyika, VaGideon Gono, kugadzwa kwakaitwa muchuchisi mukuru wehurumende, VaJohannes Tomana, kuramba kwaVaMugabe kugadza mubati wehomwe muMDC, VaRoy Bennett, semutevedzeri wegurukota rezvekurima, kusagadzwa kwemagavhuna eMDC mumatunhu akakunda bato iri, pamwe nekusungwa sungwa kuri kuitwa nhengo dzeMDC.