Nhaurirano dzemapato ari muhurumende yemubatanidzwa dzatanga zvakare kuNyanga, kuManicaland.
Mumwe wevari kumirira MDC yaVaTsvangirai munhaurirano, VaTendai Biti, avo vakaita tsaona yemotokari neChipiri kuChegutu, vakwanisawo kunge vachipinda munhaurirano idzi.
Vari munhaurirano idzi vachasangana zvakare neChishanu, uye neMuvhuro svondo rinouya, vasati vanyora gwaro richasvitswa kune vatungamiri vemapato avanomirira, pamwe nemutungamiri weSouth Africa, VaJacob Zuma.
Bepanhau reHerald rinoti dare reZanu PF repamusorosoro rinonzi rakaziviswa nevari kumirira bato iri munhaurirano, VaPatrick Chinamasa, kuti hapana zvakabvumiranwa muhurukuro dzaikokerwa naVaZuma svondo rapera.
Asi VaZuma pachavo vakati pane zvinhu zvakange zvawiriranwa, izvo zvinopokana nezvakaudzwa Politiburo naVaChinamasa. Studio7 haina kukwanisa kunzwa zvabuda munhauriran dzatanga idzi.
Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vari kunetsana nemutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, pazvinhu zvakawanda.
Izvi zvinosanganisira kugadzwa kwagavhuna webhanga guru renyika, VaGideon Gono, muchuchisi wenyika, VaJohannes Tomana, avo vakagadzwa naVaMugabe vasina kugara pasi nevamwe vavo sezvinodiwa nechibvumirano cheGlobal Political Agreement.
Vaviri ava vari kunetsanawo panyaya yemagavhuna ematunhu. VaMugabe vakagadza magavhuna ebato ravo munzvimbo dzakakunda MDC musarudzo dzakaitwa muna 2008.
Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, VaPedzisai Ruhanya, avo vanoshanda sa Programs Manager musangano reCrisis in Zimbabwe Coalition, vanoti pava nenguva yakareba nyaya dziri kunetsa dzisingagadziriswe.
VaRuhanya vanoti chokwadi chichabuda pachena panopera mwedzi uno kana VaZuma vasina kutaura chokwadi pavakati mapato ari munhaurirano akanga awirirana pazvinhu zvakawanda.