Nhengo dzeMDC Dzoshungurudzwa neMapurisa

Svondo rino ranga risina kumira zvakanaka kunhengo dzeMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai. Nhengo idzi dziri kusungwa, pamwe nekumiswa mumatare edzimhosva munzvimbo dzakasiyana siyana dzichipomerwa mhosva dzisina nhando.

Sachigaro veMakoni Central, VaTedious Chipere, vakachengetedzwa nemapurisa ekwaMutare izvozvi, mushure mekunge vazvipira kumapurisa. VaChipere vari kupomerwa mhosva yekunyomba mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, pamusangano wavakaita musi wa 25 Chivabvu kunyanga.

Gweta raVaChipere, VaBlessing Nyamaropa, vanoti vachipere vangangoendeswe kumatare edzimhosva neChipiri.

Ukuwo mumiriri weMarondera Central muparamende, VaIan Kay, avo vakasungwa svondo rapera vachipomerwa mhosva yekupa vanhu mishonga yakapfuura nguva yayo, vapihwa neMuvhuro nedare rekuMarondera mukana wekubvisa mari yechibatiso inosvika mazana mashanu emadhora, kuitira kuti vatongwe vachibva kumba kwavo.

Ukuwo mumiriri we Epworth, Va Elia Jembere, vakasungwawo nemusi weMugovera vachipomerwa zvakare mhosva yekunyomba VaMugabe.

Mutevedzeri wemunyori anoona nezvekufamabiswa kwemabasa ezvematongerwo enyika mubato iri, VaMorgan Komichi, avo vanga vachipomerwa imwe mhosva yekunyomba VaMugabe pamusangano wavakaita muna Ndira gore rino, varasirwa nedare nyaya yavanga vachipomerwa.

Mutevedzeri wemutauriri weMDC, Muzvare Thabitha Khumalo, vanoti zviri kuitwa nehurumende hazvina nemusoro wese. Muzvare Khumalo vanoti kunyange hazvo vamwe vanhu veZanu Pf vari muhurumende vakashungurudza nhengo dzeMDC, bato iri harisi kuzodzokera shure panyaya yekurwira kuti munyika muve nehutongi hwejechetere.