Nhaurirano dzeZanu-PF neMDC Dzotarisirwa kutanga Muna Ndira

  • Blessing Zulu

PM Morgan Tsvangirai (L) and President Robert Mugabe (R) are pictured at Zimbabwe International Investment Conference in Harare, 09 Jul 2009

Nhaurirano pakati pemapato maviri eMDC neZanu-PF dzaifanirwa kunge dzakatanga neMuvhuro, dzichipera neChitatu, dzave kutarisirwa kutanga gore rinouya musi wa16 Ndira nekuda kwekuti vari kutungamira nhaurirano idzi, vakamirira mapato matatu aya, vari kuti vaneta vave kudawo kumbotura befu.

Vatungamiri vemapato matatu aya, VaRobert Mugabe veZanu-PF, VaMorgan Tsvangirai veMDC huru, pamwe naVaArthur Mutambara vechimwe chikwata cheMDC, neMuvhuro vakapa vari kutungamira nhaurirano idzi mazuva maviri ekudzipedza.

Asi izvi zvakona n’anga murapwa achida, sezvo vari munhaurirano vava kuti vanoda kumbozorora. Nyaya dziri kunetsa pakati paVaTsvangirai naVaMugabe inyaya dzekugadzwa kwemagavhuna, kutoreswa mhiko kwaVaRoy Bennett, uye nyaya yemuchuchusi mukuru wehurumende pamwe nagavhuna webhanga guru renyika.

Mashoko ekudya manonoko aya anonzi haasi kufadza veSADC vachitungamirwa naVaJacob Zuma mutongi gava weSADC panyaya yeZimbabwe. VaZuma vange vachida kuti nhaurirano dzinge dzapera panosvika kisimusi sezvainge zvambovimbiswa nevemapato aya.

MDC inotungamirwa naVaTsvangirai yaimbenge yatiwo kana pasina chibvumirano kusvika musi wa15 Ndira, inenge yodzokerazve kuSADC kuti igadzirise nyaya iyi.

Mutauriri weMDC, VaNelson Chamisa, vanoti havasi kuzodzokera shure padanho iri.

Asi VaInnocent Chofamba Sithole nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika. VaSithole vanoti hazvibatsire kuti vanhu vangotaurirane pasina chiri kubuda nekudaro zviri nani kuti vambotora nguva yekuti vazeye hurukuro idzi nemapato avo.